Speaker: Wellington Dzirove
Sunday 8 August
20:00
WhatsApp online service
2 Makoronike 7:12-14
Ipapo Jehova akazviratidza Kuna Soromoni usiku, akati kwaari: Ndanzwa kunyengetera kwako, ndazvitsaurira nzvimbo iyi, ive imba yekubaira zvibairo. 13) Kana ndichinge ndadzivira kudenga, kuti mvura irege kunaya, kana zvimwe ndichinge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana zvimwe ndichinge ndatuma denda pakati pavanhu vangu; 14) Kana vanhu vangu, vakatumidzwa nezita rangu, vakazvinipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso changu,nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo ndichanzwa kudenga Ndichavakanganwira zvivi zvavo, nokupodza nyika yavo.
Mushure mekunge Soromoni mwanakomana waDavidi apedza kuvakira Jehova tembere paJerusarema, kuti Zita raJehova ridamwepo. Akanyengetera senzira yekukumikidza tembere kuna Jehova. Tembere iyi ndiyo yaiva yekutanga uye ndiyo yakatora nzvimbo yeTaberinakeri umo maigara areka yaJehova.
Jehova vakafadzwa nekuvakwa kwetembere vakasvika pakuzviratidza kunaSoromoni nokumuudza zvaifanirwa kuitwa neimba yaIsraeri. Mutestamende yekare vainzi vanhu vaJehova rudzi rwaIsraeri (the chosen nation).
Vana vaIsraeri vaiti kana vakatadzira Mwari, Mwari vaivaranga nezvirwere, kana nzara, kana hondo senzira yekuti vadzoke pamberi paMwari vokumbira kanganwiro. Mwari waivaranga zvisineyi nokuti rudzi rwakasangurwa, nokuti Mwari vakarurama nokudaro havaregi chivi chichienda chisina kurobwa. God is faithful so that he will never let sin go unpunished.
Zvivi ndizvo zvaimutsa hasha dzaMwari kusvika pakusanaisa mvura panyika, kuparadza zvakarimwa nemhashu uye kutuma hosha panyika. Nzira yoga yaipedza matambudziko aya ndiyo yataverenga paverse 14.
Jehova havashanduki, zvavakaitira vaIsraeri vanozviita paupenyu hwedu nhasi kana tikararama zvisingavafadzi. Nhasi Pasi rose ririkuchema nedenda razezesa Covid 19,mhinduro haisi kunana muzvinafundo kana vanachiremba kwete! asi Mwari vanotsvaka vanhu vakatumidzwa nezita ravo,(the so- called Christians ) kuti :
(1 )vazvininipise . Kuzvideredza nokubvisa kuzvikudza kwose nemanyawi nokugamuchira kuti ndiri mutadzi anoda kuregererwa.
2) Kunyengetera nekutsvaka chiso chaMwari ; Kuzvidurura pamberi paMwari nemoyo unorevesa
3) Nokurega nzira dzavo dzakaipa; Kusadzokorora kurarama upenyu husingafadzi Mwari hwakadai sekuva; mhombwe,mbavha,muroyi,mutuki,mhondi, munwi kana musvuti wezvinobata pfungwa, muurayi,munyengeri,neutsiye nekuchiva zvavamwe e.t.c the list is endless. Mwari vanoti kana izvi zvikaitwa ndichanzwa ndirikudenga ndikavakanganwira zvakaipa zvavo nekurapa nyika yavo kusvika yapora.
Izvi zvose vaIsraeri vaifanirwa kuzviita vakatarisa kutembere yepaJerusarema. Isu zvatakatumidzwa kunzi vaKristu nokuda kwaJesu wakatitenga neropa rake pamuchinjikwa, tisu vanhu vacho vakatumidzwa nezita raJehova. Tiri kunzi tisiye nzira dzedu dzakaipa nokuzvinipisa kuti Mwari vapodze nyika yedu. Zumbani, kufukira,kuita social distancing uye kuita Sanitise our hands kunotibetsera chose hama dzangu asi hakugoni kupedza chirwere ichi chirikuramba chichiuya in different variants and people will continue to die in numbers! Saka todiii vanotarira She vonatsiwa nairwo rugare uye zororo. Huyai titarire paMuchinjikwa hama dzangu nemoyo inozvidemba nekuzvininipisa nokuti ndipo poga pane mhinduro nekuponeswa kwedu ( Acts4:12). Kuchema kwose nekutambudzika kwatingaziva nekureva , besides Covid19, kunopera kana iwe neni tagona kuita zvakarehwa naMwari nemuromo wavo.
Mwari vatibetsere kuti tigone kutarisa panaJesu Kristu nemoyo inorevesa nyika igopodzwa nokudzorerwa rugare
Muzita raJesu Kristu Amen.